Isaiah 7

Chiratidzo chaImanueri

1Zvino Ahazi mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUzia, paakanga ari mambo weJudha, Mambo Rezini weAramu naPeka mwanakomana waRamaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema, asi havana kugona kurikunda.

2Zvino imba yaDhavhidhi yakaudzwa kuti, “Aramu yabatana neEfuremu;” saka mwoyo waAhazi nemwoyo yavanhu vake yakazungunuswa, sokuzungunuswa kunoitwa miti yesango nemhepo.

3Ipapo Jehovha akati kuna Isaya, “Buda, iwe nomwanakomana wako Sheari-Jashubhi, unosangana naAhazi kumucheto womugero weDziva Rokumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki. 4Uti kwaari, ‘Chenjera, dzikama hako, uye usatya. Usaora mwoyo nokuda kwamatsiga maviri ehuni, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaRezini naAramu uye nekwomwanakomana waRemaria. 5Aramu naEfuremu nomwanakomana waRemaria vakarangana kukuparadza vachiti, 6“Handei tindorwa neJudha; ngatiribvarurei tigorigovana pakati pedu, tigogadza Tabheeri kuti ave mambo pamusoro paro.” 7Asi zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Izvi hazvingamiri, hazvingaitiki,
nokuti musoro weAramu iDhamasiko,
8uye musoro weDhamasiko
iRezini bedzi.
Makore makumi matanhatu namashanu asati apera,
vaEfuremu vachaputswa-putswa zvokusazova rudzizve.
9Musoro weEfuremu iSamaria,
uye musoro weSamaria mwanakomana waRamaria bedzi.
Kana usingamiri zvakasimba mukutenda kwako,
hauchazomiri zvachose.’ ”
10Jehovha akataurazve kuna Ahazi akati, 11“Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako, kunyange pakadzikadzika kana pamusoro-soro.”

12Asi Ahazi akati, “Handizokumbiri; handingaedzi Jehovha.”

13Ipapo Isaya akati, “Inzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi! Hazvina kuringana here kuedza mwoyo murefu wavanhu? Ko, imi muchaedzawo mwoyo murefu waMwari wangu here? 14Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri. 15Iye achadya ruomba nouchi paachaziva zvakakwana kuti arambe zvakaipa achisarudza zvakarurama. 16Asi mwana asati anyatsoziva kuramba zvakaipa nokusarudza zvakanaka, nyika yamadzimambo maviri aunotya ichava dongo. 17Jehovha achauyisa pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro peimba yababa vako nguva isina kumbovapo kubva nguva iya yaakazvipatsanura kubva kuna Judha, achauyisa mambo weAsiria.”

18Pazuva iroro Jehovha acharidzira muridzo kunhunzi dzichibva kuhova dziri kure dzeIjipiti nokunyuchi dzichibva kunyika yeAsiria. 19Dzichauya dzose dzigogara mumawere emipata nomumikaha yamatombo, nomumakwenzi ose eminzwa uye napamadziva ose. 20Pazuva iro Jehovha achashandisa chisvo chakakumbirwa kubva mhiri kwoRwizi, kuna mambo weAsiria, kuti aveure misoro yenyu nemvere dzomumakumbo enyu, uye kuti abvisewo ndebvu dzenyu. 21Pazuva iro, murume achapfuwa mhou duku imwe chete nembudzi mbiri. 22Uye nokuda kwokuwanda kwomukaka wadzinopa, achadya ruomba. Vose vachasara munyika vachadya ruomba nouchi. 23Pazuva iro munzvimbo imwe neimwe maimbova nemizambiringa inokwana chiuru yaitengwa namashekeri anokwana chiuru
makirogiramu angaita 11.5
esirivha, pachazova norukato neminzwa chete.
24Varume vachaendako neuta nemiseve, nokuti nyika ichange yafukidzwa norukato neminzwa. 25Kana zviri zvikomo zvose zvaichimbosakurirwa nebadza, hakuna achada kuendako nokuda kwokutya rukato neminzwa; dzichava nzvimbo dzokusundira mombe nokunomhanyirwa namakwai.

Copyright information for SnaBDSC